Luke 15

Mufananidzo wegwai rakarasika

1Zvino kwakaswedera kwaari vateresi nevatadzi vese, kuzomunzwa. 2VaFarisi nevanyori vakatsutsumwa vachiti: Uyu anogamuchira vatadzi, achidya navo.

3Zvino wakavaudza mufananidzo uyu, achiti: 4Ndeupi munhu kwamuri angati ane makwai zana, kana arasikirwa nerimwe rawo, asingasii makumi mapfumbamwe nemapfumbamwe murenje, akatevera rakarasika kusvikira ariwana? 5Uye kana ariwana, anoriisa pamafudzi ake achifara. 6Zvino kana asvika kumusha, anodana pamwe shamwari nevavakidzani, achiti kwavari: Farai neni, nokuti ndawana gwai rangu rakange rarasika. 7Ndinoti kwamuri: Saizvozvo mufaro uchava kudenga pamusoro pemutadzi umwe anotendeuka, kupfuura pamusoro pevakarurama makumi mapfumbamwe nevapfumbamwe, vasingatsvaki kutendeuka.

Mufananidzo wekobiri rakarasika

8Kana ndeupi mukadzi ane makobiri gumi, kana arasikirwa nekobiri rimwe, asingatungidzi mwenje, akatsvaira imba, akatsvakisisa kusvikira ariwana? 9Uye kana ariwana, anodana shamwari nevavakidzani pamwe, achiti: Farai neni, nokuti ndawana kobiri randanga ndarasikirwa naro. 10Saizvozvo, ndinokutaurirai, kuti mufaro uripo pamberi pevatumwa vaMwari pamusoro pemutadzi umwe anotendeuka.

Mufananidzo wemwanakomana wakarasika

11Zvino wakati: Umwe munhu aiva ane vanakomana vaviri; 12mudiki wavo ndokuti kuna baba: Baba, ndipei mugove wenhumbi wakanangana neni. Akavagovera nhumbi dzake. 13Pasina kupfuura mazuva mazhinji, mwanakomana mudiki wakaunganidza zvese pamwe, akasimuka akaenda kunyika iri kure; uye akaparadza ikoko nhaka yake, achirarama neunzenza. 14Zvino wakati aparadza zvese, kwakauya nzara huru panyika iyo, iye akatanga kushaiwa. 15Zvino wakaenda, akanozvibatanidza neumwe wezvizvarwa zvenyika iyo; akamutumira kuminda yake kunofudza nguruve. 16Wakange achishuva kugutsa dumbu rake nemateko nguruve adzaidya; asi hakuna munhu waimupa. 17Zvino wakati apengenuka, akati: Varikichi vazhinji sei vababa vangu vane zvingwa zvakawandisisa, asi ini ndofa nenzara. 18Ndichasimuka ndiende kuna baba vangu, ndigoti kwavari: Baba, ndakatadzira kudenga, nepamberi penyu; 19uye handichafaniri kunzi mwanakomana wenyu; ndiitei seumwe wevarikichi venyu. 20Akasimuka akaenda kuna baba vake. Asi wakati achiri kure, baba vake vakamuona, vakanzwa tsitsi, vakamhanya ndokuwira pahuro pake, nekumutsvoda. 21Zvino mwanakomana akati kwavari: Baba, ndakatadzira kudenga nepamberi penyu, uye handichafaniri kunzi mwanakomana wenyu. 22Asi baba vakati kuvaranda vavo: Budai nenguvo refu yakanakisisa mumupfekedze, muise mhete paruoko rwake, nemanyatera patsoka; 23muuye nemhuru yakakodzwa, mubaye, uye ngatidye tifare; 24nokuti uyu mwanakomana wangu wakange afa, zvino wararamazve; wakange arasika, asi wawanikwa; zvino vakatanga kufara. 25Zvino mwanakomana wake mukuru wakange ari kumunda; zvino wakati achisvika, oswedera paimba, akanzwa mumhanzi nekutamba. 26Zvino wakadanira kwaari umwe wevaranda, akabvunza kuti izvi zvinorevei. 27Zvino akati kwaari: Munin'ina wako wasvika; zvino baba vako vabaya mhuru yakakodzwa, nokuti vamugamuchira ari mutano. 28Asi wakatsamwa, akasada kupinda; naizvozvo baba vake vakabuda, vakamukumbirisa. 29Asi iye wakapindura akati kuna baba: Tarirai, makore mazhinji akadai ndakakubatirai, handina kutongodarika murairo wenyu, asi hamuna kutongondipa mbudzana, kuti ndifare neshamwari dzangu. 30Asi mangoti mwanakomana wenyu uyu wakaparadza nhumbi dzenyu nezvifeve achisvika, mamubaira mhuru yakakodzwa. 31Vakati kwaari: Mwana, iwe uneni nguva dzese, uye zvese zvangu ndezvako. 32Asi kwaifanira kuti kupemberwe nekufarwa, nokuti munin'ina wako uyu wakange afa, wararamazve; wakange arasika, wawanikwa.

Copyright information for Shona